Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

CHRISTMAS INO TAMBANUDZA RUOKO

CHRISTMAS INO TAMBANUDZA RUOKO RWAKO UPEWO VARIKUSHAYA Marko 2 vrs 1 & 5 Vamwe Sekuru vakawira mumugodhi waive nemvura zhinji. Mukued...

CHRISTMAS INO TAMBANUDZA RUOKO RWAKO UPEWO VARIKUSHAYA

Marko 2 vrs 1 & 5

Vamwe Sekuru vakawira mumugodhi waive
nemvura zhinji. Mukuedza kuvaburitsa
muzukuru akadaidzira achiti, " Sekuru
ndipei ruoko rwenyu." Aida kuti avabate
ovadhonza vobuda asi havana kumupa
ruoko. Akaramba achidaidzira asi Sekuru
havana kumupa ruoko. Muzukuru
zvakamunetsa ndokumhanya kwaive na
ambuya akavaudza kuti, Sekuru vawira
mumugodhi, varamba kundipa ruoko
rwavo. Ambuya vakati, " Muzukuru, Sekuru
vako vakaomera, as long as wangoti Ndipei
havakupe nekuti chavasingadi kupa.!"
Mhanya unoti Sekuru tambirai ruoko
rwangu nokuti chavanoda ivo kutambira.
Muzukuru akaita izvi, Sekuru vakararama.
Kuomera kune makuva uye chitori chivi
kuna Mwari nekuti baba vedu vanopa.
Munodyiwawo nani mumba menyu. Jesu
akarapa mukadzi aive neruoko
rwakakokonyara nekuwonyana serwako
urwo. Sekuru vakapotsa vafa nekuomera,
give a hand urarame. Ko Christmas zvayava
kusvika iyi, uchatambanudza ruoko here.?
Ko nherera dzekumusha kwenyu
wakagumisira kudzipawo rini. Ko muroora
zvaunoshongedza masofa ako kudarika
vamwene. Ndibaba vani vane mazinyatera
nezvigamba kumusha uku. Basa
nderekudada mu town iwe wakashama
kumusha. Basa nderekupfekedza vana
vepfambi vako vachijohony'wa nehuku
kwese uku kwakashama.


Ads Place