Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

Vangu Vana

Ndoopaunonzwa mumwe achiti, "Ini vangu vana ndakarayira, ndosaka vaine hunhu hwakanaka." Mumwe achitiwo, "Wangu murume ndinom...

Ndoopaunonzwa mumwe achiti, "Ini vangu vana ndakarayira, ndosaka vaine hunhu hwakanaka." Mumwe achitiwo, "Wangu murume ndinomubata zvakanaka, ndosaka asingabude kunze." Mumwezve oti, "Kufidha munda ndiyo secret hombe yekukohwa pakuru." 

Pane zvese zvataurwa pamusoro, hapana chisina kukosha: kurayira vana, kufidha munda nekubata murume zvakanaka, zvose zvine zvazvinobatsira , asi nyaya haiperere ipapo. Pauro anoti kuna VaRoma (Romans 9v16), "Naizvozvo hazvibvi kune unoda, kana kune unomhanya, asi kuna MWARI MUNZWIRI WENGONI." Kune vakadzidzisa vana kusvika kuUniversity, asi vakasazorangari rwa nevana ivavo. Kune vakadyara nenguva, vakasakura nekuisa manyowa nefertilizer; asi goho harina kubuda sezvavaitarisira. 
Vangu Vana
Kune vakaedzawo kurayira vavo vana sezvamakaita, asi nhasi varikuita unzenza neurombe mukati menyika. Musazoti, "Takaita munamato wakasimba, ndokusaka akapora kubva muurwere." Simba harisi muminamato yedu; simba riri kuna Mwari vanopindura minamato yacho. Kune vakanamata kudarika zvamakaita, vamwe nekutotsanyawo vachirevesa, asi havana kuwana mhinduro
yavaitarisira. That is why we are taught kuti tinamate tichiti: "For Thine is the Kingdom, the power and the glory, forever and ever, Amen." 

Hapana chedu hama dzangu. Kana zvatifambira muupenyu, kana kuti paine zvatawana, ngatisazvitutum adza becoz ndezvenyasha. Dai dzisiri nyasha, hapana kana 1 wedu aikodzera kuwana even cup imwechete yemvura yekunwa kubva kuna Mwari. Saka kubva nhasi zvichienda mberi; mbiri YOSE kuGwayana raMwari rakabaiwa kuti tive zvatiri nhasi, nezvatichazova.

Ads Place